歌词
Jesu wakakufira pamuchinjikwa mudikanwi chirega zvako kutambura
Satani, mhandu yeupenyu, chinofara kana chichiona une nhamo
Saka nyadzisa Satani, chizvidze, chirambe chakakoniwa pamuchinjikwa
Nyadzisa Satani, chizvidze, chirambe chakakoniwa pamuchinjikwa
Nzvimbo yachinogara Satani, chiyeuchidze pasi petsoka yemuKristu
Nzvimbo yachinogara satani, chiyeuchidze pasi petsoka yemutendi
Ndati nyarara nyararisa rega kuchema
Ndati nyarara Dhiyabhori Satani chakakundwa
♪
Jesu wakakufira pamuchinjikwa mudikanwi chirega zvako kutambura
Satani, mhandu yeupenyu, chinofara kana chichiona une nhamo
Saka nyadzisa Satani, chizvidze, chirambe chakakoniwa pamuchinjikwa
Nyadzisa Satani, chizvidze, chirambe chakakoniwa pamuchinjikwa
Nzvimbo yachinogara Satani, chiyeuchidze pasi petsoka yemuKristu
Nzvimbo yachinogara satani, chiyeuchidze pasi petsoka yemutendi
Ndati nyarara nyararisa rega kuchema
Ndati nyararisa Dhiyabhori Satani chakakundwa pachikomo chiye
Nyararisa rega kuchema
Ndati nyarara ndati nyararisa Dhiyabhori Satani chakakundwa paCalvary
Nyararisa rega kuchema
Ndati nyarara ndati nyararisa Dhiyabhori Satani chakakundwa neropa reGwayana
Nyararisa rega (ropa raJesu) kuchema
Ndati nyararisa Dhiyabhori Satani chakakundwa
♪
Chiiko chingatiparadzanise nerudo rwaJesu?
Haisva hakuchina bodo
Chiiko chingatiparadzanise nerudo rwaJesu?
Haisva hakuchina bodo
Dzingava dzinhamo here?
Nyararisa rega kuchema
Kungava kushaya chekupfeka here?
Dhiyabhori Satani chakakundwa
Tingaparadzaniswa nenzara here?
Nyararisa rega kuchema
Ungava munondo here? Aiwa hakuna
Dhiyabhori Satani chakakundwa
♪
Nyararisa rega kuchema
Dhiyabhori Satani chakakundwa
Nyararisa rega kuchema
Dhiyabhori Satani chakakundwa pachikomo chiye
Nyararisa rega kuchema
Ndati nyararisa Dhiyabhori Satani chakakundwa neropa raJesu
Nyararisa rega kuchema paGorogota