歌曲 / 歌词

Segwayana

Listen on Apple Music

歌词

Inga ndinokuuchirai wani
Inga ndinokuuchirai wani
Inga ndinokuomberai wani
Inga ndinokuomberai wani
Vakuruwe
Vakuruwe
Inga ndinozvidukupisa wani
Inga ndinozvidukupisa wani
Inga ndinozvidukupisa wani
Inga ndinozvidukupisa chese
Inga ndinokugwadamai wani
Inga ndinokugwadamai wani
Mambo ndinokugwadamai wani
Inga ndinokugwadamai wani
Mambo imi
Mambo imi
Tenzi iwe
Tenzi iwe
Mambo tichinge takukumbiraiwo
Tipeiwo sokupa kwamunoita vamwe
Mambo tichinge takukokaiwo
Idi tishanyirei sevamwe
Mambo tichinge takudanaiwo
Tapota tidairewo savamwe
Mambo tichikukumbirai nzira tsvene
Tapota musatisiya mumajokochwa
Mambo tichikukumbirai chaedza
Tapota musatisiya mukati merima
Mambo tichikukumbirai chaedza
Tapota musatisiya mukati merima
Mambo iwe
Tenzi iwe
Tenziwe
Mambo handina simba nezvandiri saka ndisingazvitongeri zvangu
Mambo handina simba nezvandiri saka ndisingazvitongeri zvangu
Tarirai vanotuka zvavo handivapinduri
Mambo makandikundisai pamwe chete
Honai vanotuka zvavo handivapinduri
Mambo makandikundisai pamwe chete
Tarirai vanorova zvavo handivadzoreri
Mambo makandikundisai pamwe chete
Honai vanorova zvavo handivadzoreri
Mambo makandikundisai pamwe chete
Ndakapika vangaponda zvavo
Handiridzi mhere
Ini zvangu ndofa ndinyerere segwayana
Ndakapika vangaponda zvavo
Handiridzi mhere
Ini zvangu ndofa ndinyerere segwayana
Mambo ndofa ndinyerere segwayana
Ndofa ndinyerere segwayana
Mambo ndofa ndinyerere segwayana
Ndofa ndinyerere segwayana
Ndakapika vangaponda zvavo
Handiridzi mhere
Ini zvangu ndofa ndinyerere segwayana
Ndakapika vangaponda zvavo
Handiridzi mhere
Ini zvangu ndofa ndinyerere segwayana
Mambo ndofa ndinyerere segwayana
Ndofa ndinyerere segwayana
Mambo ndofa ndinyerere segwayana
Ndofa ndinyerere segwayana
Riyo riyo riyo riyo
Riyo riyo riyo riyo mambo
Riyo riyo riyo riyo
Riyo riyo riyo riyo mambo
Mambo iwe segwayana
Ndofa ndinyerere segwayana
Ummm segwayana
Musamboiko uyo
Zora zora zora zora zora zora
Original rhythms of africa