歌词
Mwana wamai vanguwe wandifungira zvipi?
Mwana wamai vanguwe wandifungira zvipi iwe?
Zvatiri veropa rimwe isu ngatisafungidzirane
Zvatiri veropa rimwe isu ngatisafungidzirane mupfungwa
Kunyarara sandi kuti hupofu, ndaizviona zvangu
Kunyarara sandi kuti hupofu, ndaizviona zvangu iniwo
Hepaya ndozvireva kwahi mavara azere vhu aya
Hepaya ndozvireva kwahi mavara azere vhu aya
Zvawaindipedzera sadza, waiti ndinodyeiko?
Zvawaindipedzera sadza, waiti ndinodyeiko iniwo?
Zvawainditorera zvose ini waiti hapana changu
Zvawainditorera zvose ini waiti hapana changu seiko?
Mweya wazokugara uyu zvaunenge wehutsinye
Mweya wazokugara uyu zvaunenge wehutsinye mwana wamai
Ndinotenda mumwe wanguwe
Ndinotenda nezvawaita
Mumwe wanguwe wandipa chidzidzo ini
Wazondishungurudza
Ndinotenda mumwe wanguwe
Ndinotenda nezvawaita
Mumwe wanguwe wandipa chidzidzo ini
Wazondishungurudza
Hezvoka nhasi uno wakanganwa uyo akakutaridza nzira
Yauri kungofamba nanhasi uno
Hezvoka nhasi uno wakanganwa uyo akakutaridza nzira
Yauri kungofamba nanhasi uno
Murango wacho hauna zuva iwe izuva rimwe razvichakunetsa
Murango wacho hauna zuva iwe izuva rimwe razvichakunetsa
Murango wacho hauna zuva iwe izuva rimwe razvichakudzimba
Murango wacho hauna zuva iwe izuva rimwe razvichakudzimba
Murango wacho hauna zuva iwe izuva rimwe razvichakunetsa